29 Uye, Zefania muprista akaverengera muprofita Jeremia tsamba iyi.
30 Ipapo shoko raJehovha rakasvika kuna Jeremia, richiti,
31 “Tumira shoko iri kuvatapwa vose, uti, ‘Zvanzi naJehovha pamusoro paShemaya, muNeherami: Nokuda kwokuti Shemaya akuprofiterai, kunyange ini ndisina kumutuma, uye aita kuti mutende nhema,
32 zvanzi naJehovha: Zvirokwazvo ndicharanga Shemaya muNeherami nezvizvarwa zvake. Haangavi nomunhu achasara pakati pavanhu ava, kana kuona zvinhu zvakanaka zvandichaitira vanhu vangu, ndizvo zvinotaura Jehovha, nokuti akaparidza zvokundimukira.’ ”