31 “Nguva inouya,” ndizvo zvinotaura Jehovha, “yandichaita sungano itsva neimba yaIsraeri uye neimba yaJudha.
32 Haingazofanani nesungano yandakaita namadzitateguru avo, pandakavabata ruoko kuti ndivabudise munyika yeIjipiti, nokuti vakaputsa sungano yangu, kunyange ndakanga ndiri murume kwavari,” ndizvo zvinotaura Jehovha.
33 “Iyi indiyo sungano yandichaita neimba yaIsraeri shure kwamazuva iwayo,” ndizvo zvinotaura Jehovha. “Ndichaisa murayiro wangu mundangariro dzavo, ndigounyora mumwoyo yavo. Ndichava Mwari wavo, uye ivo vachava vanhu vangu.
34 Hakuna munhu achadzidzisa muvakidzani wake kana hama yake, achiti, ‘Ziva Jehovha,’ nokuti vose vachamuziva, kubva kumuduku wavo kusvikira kumukuru,” ndizvo zvinotaura Jehovha. “Nokuti ndichavakanganwira kuipa kwavo, uye handingarangaririzve zvivi zvavo.”
35 Zvanzi naJehovha, iye anogadza zuva kuti rivhenekere masikati, anoisa chirevo kumwedzi nenyeredzi kuti zvivhenekere usiku, iye anomutsa gungwa kuti mafungu aro atinhire, Jehovha Wamasimba Ose, ndiro zita rake:
36 “Kana chete mitemo iyi ikabva pamberi pangu,” ndizvo zvinotaura Jehovha, “ndiko kuti zvizvarwa zvigume kuva rudzi pamberi pangu.”
37 Zvanzi naJehovha, “Kana chete matenga ari kumusoro akagona kuyerwa, uye mhepo dzenyika dziri pasi dzikagona kunzverwa, ipapo ndipo pandingarambe zvizvarwa zvaIsraeri, nokuda kwezvose zvavakaita,” ndizvo zvinotaura Jehovha.