15 Shoko raJehovha rakasvika kuna Jeremia achakapfigirwa muruvazhe rwavarindi, richiti,
16 “Enda undoudza EbhedhiMereki muEtiopia kuti, ‘Zvanzi naJehovha Wamasimba Ose, Mwari waIsraeri: Ndava pedyo kuzadzisa mashoko angu pamusoro peguta rino nenjodzi, kwete kubudirira. Panguva iyoyo zvichazadzisika pamberi pako.
17 Asi iwe ndichakurwira pazuva iro, ndizvo zvinotaura Jehovha, haungaiswi mumaoko evaunotya.
18 Ndichakuponesa; haungaurayiwi nomunondo asi uchatiza noupenyu hwako, nokuti unovimba neni, ndizvo zvinotaura Jehovha.’ ”