26 Uyai murwe naro muchibva kure. Zarurai matura aro; muriunganidze semirwi yezviyo. Riparadzei zvachose, parege kuva navanosara.
27 Muuraye hondo diki dzaro dzose; ngadziendeswe kundobayiwa! Vane nhamo! Nokuti zuva ravo rasvika, nguva yokurangwa kwavo.
28 Inzwai vanotiza navapoteri vanobva kuBhabhironi, vanoparidza muZioni kuti Jehovha Mwari wedu akatsiva sei, kutsivira temberi yake.
29 “Kokerai vapfuri vemiseve varwe neBhabhironi, vose vanowembura uta. Rikombei rose; ngakurege kuva nounopukunyuka. Riripirei nokuda kwamabasa avo; riitireiwo sezvarakaita. Nokuti vakamhura Jehovha, Iye Mutsvene weIsraeri.
30 Naizvozvo majaya aro achawira mumigwagwa; varwi varo vose vachanyarara kuti mwiro pazuva iro,” ndizvo zvinotaura Jehovha.
31 “Tarira, ndinorwa newe, iwe wokuzvikudza,” ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha Wamasimba Ose, nokuti zuva rako rasvika, nguva yokurangwa kwako.
32 Anozvikudza achagumburwa agowa, uye hapana achamusimudza; ndichatungidza moto mumaguta ake uchapisa vose vakamupoteredza.”