31 “Tarira, ndinorwa newe, iwe wokuzvikudza,” ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha Wamasimba Ose, nokuti zuva rako rasvika, nguva yokurangwa kwako.
32 Anozvikudza achagumburwa agowa, uye hapana achamusimudza; ndichatungidza moto mumaguta ake uchapisa vose vakamupoteredza.”
33 Zvanzi naJehovha Wamasimba Ose, “Vanhu veIsraeri vakamanikidzwa, navanhu veJudha vakamanikidzwawo, vapambi vavo vose vakavabata, zvakasimba, vanoramba kuvaregedza kuti vaende.
34 Asi mudzikinuri wavo ane simba; Jehovha Wamasimba Ose ndiro zita rake. Achavareverera nhaka yavo nesimba kuti azorodze nyika yavo, asi achashayisa zororo kuna avo vanogara muBhabhironi.
35 “Munondo pamusoro pavaBhabhironi!” ndizvo zvinotaura Jehovha, “pamusoro peavo vagere muBhabhironi, napamusoro pamachinda aro navakachenjera varo!
36 Munondo pamusoro pavaprofita varo venhema! Vachava mapenzi. Munondo pamusoro pemhare dzaro! Vachazadzwa nokutya.
37 Munondo pamusoro pamabhiza nengoro dzaro, napamusoro pavatorwa vose vari pazvigaro zvaro! Vachava vakadzi. Munondo pamusoro pepfuma yaro! Ichapambwa.