7 Kunyange shohori riri mudenga rinoziva nguva dzaro dzakatarwa, uye njiva, nenyenganyenga nekondo zvinocherechedza nguva yazvo yokutama. Asi vanhu vangu havazivi zvinodikanwa naJehovha.
8 “ ‘Munoreva seiko muchiti, “Takachenjera, nokuti tino murayiro waJehovha,” asi zvirokwazvo chinyoreso chenhema chavanyori chakanyora nhema?
9 Vakachenjera vachanyadziswa, vachavhunduka uye vachabatwa. Sezvo vakaramba shoko raJehovha, kuchenjera kwavanako kwakadiniko?
10 Naizvozvo ndichapa vakadzi vavo kuna vamwe varume, neminda yavo kuvaridzi vatsva. Kubva kumuduku kusvikira kumukuru vose vanokarira pfuma; vaprofita navaprista saizvozvo, vose vanoita nokunyengera.
11 Vanosunga vanga ravanhu vangu sokunge duku duku. Vanoti, “Rugare, rugare,” ipo pasina rugare.
12 Ko, vanonyadziswa netsika dzavo dzinonyangadza here? Kwete, havana kana nyadzi zvachose havambozivi kuti zvinonyadzisa sei. Saka vachawa pakati pavakawa; vachaderedzwa pavacharangwa, ndizvo zvinotaura Jehovha.
13 “ ‘Ndichavatorera zvavakakohwa, ndizvo zvinotaura Jehovha Hapangazovi namazambiringa pamuzambiringa. Hakungazovi namaonde pamuti womuonde, uye mashizha azvo achaoma. Zvandakavapa vachazvitorerwa.’ ”