16 Zvirokwazvo uchakanganwa nhamo yako, uchangoirangarira semvura yakapfuura.
17 Upenyu huchajeka kupfuura masikati makuru, uye rima richaita samangwanani.
18 Iwe uchagara zvakanaka, nokuti tariro iriko; ucharingaringa ugozorora murugare.
19 Uchavata hako pasi, pasina munhu anokuvhundutsa, uye vazhinji vachakumbira nyasha dzako.
20 Asi meso avakaipa achaneta, uye vachashayiwa pokuvanda; tariro yavo ichava yokufa.”