20 Anofumbira miromo yavapi vamazano vavanovimba navo, uye anobvisa kunzwisisa kwavakuru.
21 Anodurura kushorwa pamakurukota uye anokutunura zvombo zvavane simba.
22 Iye anobudisa pachena zvinhu zvakadzama zverima, uye anouyisa mimvuri mikuru kuchiedza.
23 Iye anokurisa ndudzi, uye anodziparadza; anowanza ndudzi, anodziparadzira.
24 Anotorera vatungamiriri venyika kunzwisisa kwavo; anovaendesa vachingodzungaira pasina nzira.
25 Vanotsvanzvadzira murima vasina chiedza; anoita kuti vadzedzereke sezvidhakwa.