21 Anodurura kushorwa pamakurukota uye anokutunura zvombo zvavane simba.
22 Iye anobudisa pachena zvinhu zvakadzama zverima, uye anouyisa mimvuri mikuru kuchiedza.
23 Iye anokurisa ndudzi, uye anodziparadza; anowanza ndudzi, anodziparadzira.
24 Anotorera vatungamiriri venyika kunzwisisa kwavo; anovaendesa vachingodzungaira pasina nzira.
25 Vanotsvanzvadzira murima vasina chiedza; anoita kuti vadzedzereke sezvidhakwa.