5 Vanhu vagere zvakanaka vanoshora vane nhamo, vachiti ndiwo magumo avaya vane tsoka dzinotedzemuka.
6 Matende amakororo haakanganiswe, uye vaya vanotsamwisa Mwari vagere zvakanaka, ivo vanotakura vamwari vavo mumaoko avo.
7 “Asi bvunzai mhuka, uye dzichakudzidzisai, kana shiri dzedenga, idzo dzichakuudzai;
8 kana taurai kunyika, ichakudzidzisai, kana hove dzegungwa ngadzikuzivisei.
9 Ndechipiko pane zvose izvi chisingazivi kuti ruoko rwaJehovha rwakaita izvi?
10 Upenyu hwezvisikwa zvose huri muruoko rwake, nokufema kwavanhu vamarudzi ose.
11 Ko, nzeve haiedzi mashoko sorurimi runoravira chokudya here?