14 Ko, ndinozviisirei mungozi ndichibatira upenyu hwangu mumaoko angu?
15 Kunyange akandiuraya hake, asi ini ndichavimba naye, zvirokwazvo ndichadzivirira nzira dzangu pamberi pake.
16 Zvirokwazvo, uku ndiko kuchava kuponeswa kwangu, nokuti hakuna munhu asingatendi Mwari achasvika pamberi pake!
17 Teereresai kumashoko angu, nzeve dzenyu ngadzigamuchire zvandinoreva.
18 Zvino ndagadzirisa mhaka yangu, ndinoziva kuti ndicharuramisirwa.
19 Pana angagona kundipa mhaka here? Kana aripo, ndichanyarara ndigofa hangu,
20 “Haiwa Mwari, nditsidzirei hangu zvinhu zviviri izvi. Uye ipapo handingavandi pamberi penyu.