15 Kana Mwari akasavimba navatsvene vake, kunyange dai matenga akasava akachena pamberi pake,
16 ko, kuzoti munhu, anosemesa uye akaora, anonwa zvakaipa semvura!
17 “Nditeerere ndigokutsanangurira; rega ndikuudze zvandakaona,
18 zvakataurwa navanhu vakachenjera, vasingavanzi chinhu chavakagamuchira kubva kumadzibaba avo,
19 ivo voga vakapiwa nyika pasina mutorwa akapfuura napakati pavo:
20 Munhu akaipa anotambudzika nokurwadziwa pamazuva ake ose, makore ose outsinye akachengeterwa iye.
21 Maungira anotyisa anozadza nzeve dzake; pazvinenge zvaita sezvakanaka, udyi hunomurwisa.