20 Munhu akaipa anotambudzika nokurwadziwa pamazuva ake ose, makore ose outsinye akachengeterwa iye.
21 Maungira anotyisa anozadza nzeve dzake; pazvinenge zvaita sezvakanaka, udyi hunomurwisa.
22 Anorasikirwa netariro yokupunyuka parima; munondo ndiwo waakatarirwa.
23 Anofamba-famba achitsvaka zvokudya zvamagora; anoziva kuti zuva rerima raswedera.
24 Kutambudzika nokurwadziwa zvinomuzadza nokutya; zvinomukunda, samambo amirira kurwisa,
25 nokuti anokungira Mwari chibhakera chake nokuzvikudza pamusoro paWamasimba Ose,
26 achimhanyira kwaari achimuzvidza ane nhoo hobvu, yakasimba.