23 Anofamba-famba achitsvaka zvokudya zvamagora; anoziva kuti zuva rerima raswedera.
24 Kutambudzika nokurwadziwa zvinomuzadza nokutya; zvinomukunda, samambo amirira kurwisa,
25 nokuti anokungira Mwari chibhakera chake nokuzvikudza pamusoro paWamasimba Ose,
26 achimhanyira kwaari achimuzvidza ane nhoo hobvu, yakasimba.
27 “Kunyange chiso chake chakafukidzwa namafuta uye chiuno chake chakafuta nenyama,
28 iye achagara mumaguta akaparadzwa nomudzimba dzisingagarwi nomunhu, dzimba dzokoromoka kuva marara.
29 Haachazovizve mupfumi uye pfuma yake haingagari, kana nepfuma yake haingazadzi nyika.