16 Chiso changu chatsvuka nokuchema, rima guru rakomberedza meso angu;
17 asi zvazvo maoko angu haadi kuita chisimba, uye munyengetero wangu wakachena.
18 “Iwe nyika, rega kufukidza ropa rangu; kuchema kwangu ngakurege kuwana zororo!
19 Kunyange iko zvino chapupu changu chiri kudenga; murevereri wangu ari kumusoro.
20 Murevereri wangu ndiye shamwari yangu, meso angu paanodurura misodzi kuna Mwari;
21 anomira pachinzvimbo chomunhu achikumbira kuna Mwari, somunhu anokumbirira shamwari yake.
22 “Makore mashoma bedzi achapfuura, ndisati ndaenda parwendo rusingadzokwi.