9 Mwari anondirova nokundibvambura mukutsamwa kwake, uye anondirumanyira meno ake; mudzivisi wangu anondidzvokorera meso ake anobaya.
10 Vanhu vanoshamisa miromo yavo kuti vandiseke; vanondirova padama pakundimhura kwavo, uye vanobatana pamwe chete kuzondirwisa.
11 Mwari akandidzorera mumaoko avanhu vakaipa, uye akandikanda mumaoko avakashata.
12 Zvose zvakanga zvakanaka hazvo kwandiri, asi iye akandivhuna; akandibata napahuro akandipwanya-pwanya. Akandivavarira;
13 vapfuri vake vemiseve vakandikomba. Anobaya itsvo dzangu asina tsitsi, uye anodururira nduru yangu pasi.
14 Nguva nenguva anondirwisa; anomhanyira kwandiri somurwi.
15 “Ndasonera ganda rangu nguo dzamasaga, uye ndaviga huma yangu muguruva.