12 Mauto ake anouya nesimba; anovaka muchinjiziri wokurwa neni, anokomba tende rangu.
13 “Akaisa hama dzangu kure neni; vazikani vangu vakaparadzaniswa neni zvachose.
14 Hama dzangu dzepedyo dzakaenda kure neni; shamwari dzangu dzandikanganwa.
15 Vaenzi vangu navarandakadzi vangu vava kundiita mubvakure; vanondiona somutorwa.
16 Ndinodana muranda wangu, asi haapinduri, kunyange ndikamunyengetedza nomuromo wangu chaiwo.
17 Kufema kwangu kunonyangadza kumukadzi wangu; ndinosemesa kuhama dzangu chaidzo.
18 Kunyange nezvikomana zviduku zvinondiseka; pandinosvika vanondituka.