17 Kufema kwangu kunonyangadza kumukadzi wangu; ndinosemesa kuhama dzangu chaidzo.
18 Kunyange nezvikomana zviduku zvinondiseka; pandinosvika vanondituka.
19 Shamwari dzangu dzepedyo dzinondisema; vaya vandinoda vandishandukira.
20 Handisati ndichiri chinhu asi ndangova hangu ganda; ndangopunyuka namatadza amazino angu chete.
21 “Ndinzwirei urombo, shamwari dzangu, ndinzwirei urombo nokuti ruoko rwaMwari rwandirova.
22 Munonditeverereiko sezvinoita Mwari? Ko, hamungaguti nenyama yangu here?
23 “Haiwa, dai mashoko angu ainyorwa hawo, dai ainyorwa hawo pabhuku,