7 “Kunyange ndikachema ndichiti, ‘Ndakakanganisirwa we-e!’ handiwani mhinduro; kunyange ndikadanidzira kuti ndibatsirwe, kururamisirwa hakupo.
8 Akadzivira nzira yangu kuti ndikonewe kupfuura; akaisa rima munzira dzangu.
9 Akandibvisira kukudzwa kwangu, uye akabvisa korona mumusoro mangu.
10 Anondibvamburanya kumativi ose kusvikira ndapera; anodzura tariro yangu kunge muti,
11 Kutsamwa kwake kunopfuta pamusoro pangu; anondiverenga pakati pavavengi vake.
12 Mauto ake anouya nesimba; anovaka muchinjiziri wokurwa neni, anokomba tende rangu.
13 “Akaisa hama dzangu kure neni; vazikani vangu vakaparadzaniswa neni zvachose.