5 Nditarirei mushamiswe; mufumbire muromo wenyu noruoko.
6 Ndinotya, pandinofunga izvi; kudedera kunobata muviri wangu.
7 Nemhaka yeiko vakaipa vachirarama, vachikwegura uye vachiwedzerwa simba?
8 Vanoona vana vavo vachisimbiswa vari pavari, navazukuru vavo pamberi pavo.
9 Misha yavo igere zvakanaka uye haina chainotya; shamhu yaMwari haisi pamusoro pavo.
10 Hando dzavo hadzikonewi kubereka, mhou dzavo dzinobereka mhuru dzisingasvodzi.
11 Vanobudisa vana vavo seboka ramakwai; vapwere vavo vanopembera vachitamba.