3 Dai chete ndaiziva kwandingamuwana; dai chete ndaigona kuenda kwaanogara!
4 Ndaitaura hangu mhaka yangu pamberi pake, uye ndaizadza muromo wangu nenharo.
5 Ndaizoziva hangu zvaaizondipindura, uye ndaizocherechedza zvaaizoreva.
6 Kuti aizondidzivisa nesimba guru here? Kwete, haaizondipomera mhaka.
7 Ipapo munhu akarurama aigona kuzotura mhaka yake pamberi pake, uye ndaizosunungurwa kubva pamutongi wangu nokusingaperi.
8 “Asi kana ndikaenda kumabvazuva, iye haako; kana ndikaenda kumavirira, handimuwani.
9 Paanenge ari pabasa nechokumusoro, handimuoni; paanotsaukira zasi, handikwanisi kumuona.