1 “Seiko Wamasimba Ose asingatari nguva dzokutonga? Seiko avo vanomuziva vachitarisira mazuva akadai pasina?
2 Vanhu vanobvisa mabwe omuganhu; vanofudza makwai avakaba.
3 Vanotinha mbongoro dzenherera, uye vanotora nzombe yechirikadzi vachiita rubatso.
4 Vanodzinga vanoshayiwa kubva panzira, uye vanomanikidza varombo vose venyika kundovanda.