10 Anotara muganhu pamberi pemvura zhinji, kuti ugova muganhu pakati pechiedza nerima.
11 Mbiri dzokudenga dzinodengenyeka, dzichivhunduswa nokutuka kwake.
12 Akabvongodza gungwa nesimba rake; akagura-gura Rahabhi nenjere dzake.
13 Matenga akashongedzwa nokufema kwake; ruoko rwake rwakabaya nyoka inobhururuka.
14 Uye izvi ndiwo macheto oga ebasa rake; haiwa tinonzwa kuzevezera kwake seiko! Zvino ndianiko anganzwisisa kutinhira kwesimba rake?”