8 Anoputira mvura zhinji mumakore ake; asi makore acho haabvaruki nokuda kwokuremerwa.
9 Anofukidza chiso chomwedzi uzere, achiwarira makore ake pamusoro pawo.
10 Anotara muganhu pamberi pemvura zhinji, kuti ugova muganhu pakati pechiedza nerima.
11 Mbiri dzokudenga dzinodengenyeka, dzichivhunduswa nokutuka kwake.
12 Akabvongodza gungwa nesimba rake; akagura-gura Rahabhi nenjere dzake.
13 Matenga akashongedzwa nokufema kwake; ruoko rwake rwakabaya nyoka inobhururuka.
14 Uye izvi ndiwo macheto oga ebasa rake; haiwa tinonzwa kuzevezera kwake seiko! Zvino ndianiko anganzwisisa kutinhira kwesimba rake?”