9 Ko, Mwari anoteerera kuchema kwake paanowirwa nenhamo here?
10 Iye angawana mufaro muna Wamasimba Ose here? Ko, achadana kuna Mwari panguva dzose here?
11 “Ndichakudzidzisai nezvesimba raMwari; nzira dzaWamasimba Ose handingadzivanzi.
12 Imi mose makazviona izvi pachenyu. Zvino munotaurireiko zvisina maturo?
13 “Haano magumo anogoverwa vakaipa naMwari, iyo nhaka inogamuchirwa navanhu vano utsinye, kubva kuna Wamasimba Ose.
14 Hazvinei kuti vana vake vakawanda sei, magumo avo munondo; vazukuru vake havazombowani zvokudya zvinovaringana.
15 Denda richaviga vaya vanenge vasara, uye chirikadzi dzavo hadzingavachemi.