12 “Asi uchenjeri hungawanikwepiko? Kunzwisisa kunogarepiko?
13 Munhu haanzwisisi kukosha kwahwo; hahungawanikwi munyika yavapenyu.
14 Pakadzika panoti, ‘Hahuzi mandiri.’ gungwa rinoti, ‘Hahuzi pandiri.’
15 Hahungatengwi negoridhe yakaisvonaka, uye mutengo wahwo haungayerwi nesirivha.
16 Hahungatengwi negoridhe reOfiri, namatombo anokosha eonikisi kana esafire.
17 Hahungaenzaniswi negoridhe kana kristari, uye hahungatsinhaniswi nezvishongo zvegoridhe.
18 Korari nejasipa hazvingatongorehwi; mutengo wouchenjeri unokunda maparera.