19 Topazi yeEtiopia haingaenzaniswi nahwo; hahungatongotengwi negoridhe rakaisvonaka.
20 Zvino uchenjeri hunobvepiko? Kunzwisisa kunogarepiko?
21 Kwakavanzirwa meso ezvipenyu zvose, zvakavigwa kunyange kushiri dzedenga.
22 Kuparadza noRufu zvinoti, ‘Runyerekupe rwahwo chete ndirwo rwakasvika munzeve dzedu.’
23 Mwari oga ndiye anonzwisisa nzira inoenda kwahuri, uye ndiye oga anoziva kwahunogara,
24 nokuti anoona magumo enyika, uye anoona zvinhu zvose zviri pasi pamatenga.
25 Paanosimbisa simba remhepo uye nokuyera mvura,