23 Mwari oga ndiye anonzwisisa nzira inoenda kwahuri, uye ndiye oga anoziva kwahunogara,
24 nokuti anoona magumo enyika, uye anoona zvinhu zvose zviri pasi pamatenga.
25 Paanosimbisa simba remhepo uye nokuyera mvura,
26 paanoita chirevo chemvura negwara romutinhiro wemheni,
27 ipapo akatarira kuuchenjeri akahunzvera; akahusimbisa uye akahuedza.
28 Zvino akati kumunhu, ‘Kutya Ishe, ndihwo uchenjeri, uye kusiya zvakaipa ndiko kunzwisisa.’ ”