11 Vose vakandinzwa vakataura zvakanaka pamusoro pangu, uye vose vakandiona vakandirumbidza,
12 nokuti ndakarwira varombo vaichemera rubatsiro, uye nherera dzakanga dzisina anobatsira.
13 Munhu akanga afa akandiropafadza; ndakaita kuti mwoyo wechirikadzi uimbe.
14 Ndakafuka kururama sechipfeko changu; kururamisira kwaiva nguo yangu nenguwani yangu.
15 Ndakanga ndiri meso kumapofu namakumbo kuzvirema.
16 Ndakanga ndiri baba kuna vanoshayiwa; ndaitamba mhaka yomutorwa.
17 Ndakavhuna meno avakaipa, uye ndakabata chaakanga abata pamazino ake.