13 Munhu akanga afa akandiropafadza; ndakaita kuti mwoyo wechirikadzi uimbe.
14 Ndakafuka kururama sechipfeko changu; kururamisira kwaiva nguo yangu nenguwani yangu.
15 Ndakanga ndiri meso kumapofu namakumbo kuzvirema.
16 Ndakanga ndiri baba kuna vanoshayiwa; ndaitamba mhaka yomutorwa.
17 Ndakavhuna meno avakaipa, uye ndakabata chaakanga abata pamazino ake.
18 Ndakafunga kuti, ‘Ndichafira mumba mangu, mazuva angu awanda sejecha.
19 Midzi yangu ichasvika kumvura, uye dova richava pamatavi angu usiku hwose.’