4 Haiwa, iwo mazuva andakanga ndichine simba, ushamwari hwaMwari chaihwo huchiropafadza imba yangu,
5 Wamasimba Ose paakanga achineni uye vana vangu pavakanga vakandipoteredza,
6 painyorovedzwa nzira yangu noruomba, uye dombo richindidururira hova dzamafuta omuorivhi.
7 “Pandakaenda kusuo reguta ndikandogara muchivara,
8 majaya akandiona akatsaukira parutivi uye vatana vakasimuka;
9 makurukota akaramba kutaura akafumbira miromo yavo namaoko avo;
10 manzwi amakurukota akanyararidzwa, uye ndimi dzavo dzikanamira kumusoro kwemiromo yavo.