10 nokuti hahuna kundipfigira mikova yechizvaro kuti huvanze dambudziko pamberi pangu.
11 “Ko, ndakaregererei kufa pakuberekwa kwangu, nokufa pandaibuda mudumbu?
12 Mabvi akavapo seiko kuti andigamuchire namazamu kuti ndinwe?
13 Nokuti zvino ndingadai ndakavata murugare; ndingadai ndivete uye ndakazorora
14 namadzimambo namakurukota enyika, vakazvivakira nzvimbo dzava matongo zvino,
15 navatongi vakanga vane goridhe, vakazadza dzimba dzavo nesirivha.
16 Kana kuti sei ndisina kuvigwa muvhu somwana asina kusvika, somucheche asina kumboona chiedza chezuva?