16 Kana kuti sei ndisina kuvigwa muvhu somwana asina kusvika, somucheche asina kumboona chiedza chezuva?
17 Ikoko vakaipa vanorega kutambudza, uye ikoko vakaneta vakazorora.
18 Nhapwa dzinofariravo rugare rwadzo; havachanzwizve kudanidzira kwomutyairi wenhapwa.
19 Vaduku navakuru variko, uye nhapwa yakasunungurwa kubva pana tenzi wayo.
20 “Chiedza chinopirweiko vaya vari kusurukirwa, uye upenyu kune ane shungu pamwoyo,
21 kuna vaya vanoshuva kufa irwo rusingauyi, vanorutsvaka kupfuura pfuma yakavanzika,
22 vazere nomufaro uye vanofara pavanosvika muguva?