21 kuna vaya vanoshuva kufa irwo rusingauyi, vanorutsvaka kupfuura pfuma yakavanzika,
22 vazere nomufaro uye vanofara pavanosvika muguva?
23 Upenyu hunopirweiko munhu ane nzira yakavanzika, iye akakomberedzwa naMwari noruzhowa?
24 Nokuti mafemo anosvika kwandiri pachinzvimbo chezvokudya, kugomera kwangu kunodururwa semvura.
25 Zvandaitya zvakandivinga; zvandaizeza zvaitika kwandiri.
26 Handina rugare, handina runyararo; handina zororo, asi nhamo chete.”