8 Vanotuka mazuva ngavatuke zuva iro, vaya vakagadzirira kumutsa Chikara Chikuru cheGungwa.
9 Nyeredzi dzahwo dzamangwanani ngadzisvibe; ngahumirire chiedza chamasikati pasina uye ngahurege kuona hwerazuva hwamambakwedza;
10 nokuti hahuna kundipfigira mikova yechizvaro kuti huvanze dambudziko pamberi pangu.
11 “Ko, ndakaregererei kufa pakuberekwa kwangu, nokufa pandaibuda mudumbu?
12 Mabvi akavapo seiko kuti andigamuchire namazamu kuti ndinwe?
13 Nokuti zvino ndingadai ndakavata murugare; ndingadai ndivete uye ndakazorora
14 namadzimambo namakurukota enyika, vakazvivakira nzvimbo dzava matongo zvino,