15 Ko, iye akandiisa muchizvaro haazi iye akavaita here? Ko, haazi iye mumwe chete akatiumba tose muna vanaamai vedu here?
16 “Kana ndakaramba zvido zvevarombo kana kurega meso echirikadzi achineta,
17 kana ndakazvichengetera chingwa, ndisingachigoveri nherera,
18 asi kubva paujaya hwangu ndakamurera sezvinoitwa nababa, uye kubva pakuberekwa kwangu ndakatungamirira chirikadzi,
19 kana ndakaona mumwe achiparara nokuda kwokushaya zvokufuka, kana munhu anoshayiwa asina nguo,
20 uye mwoyo wake ukasandiropafadza kuti adziyirwe namakushe amakwai angu,
21 kana ndasimudzira nherera ruoko rwangu ndichiziva kuti ndinozivikanwa padare redzimhosva,