2 Nokuti mugove womunhu unobva kumusoro kuna Mwari ndoweiko, iyo nhaka yake inobva kuna Wamasimba Ose?
3 Ko, hakuzi kuparadzwa kwavakaipa, nenjodzi kuna avo vanoita zvakaipa here?
4 Ko, iye haaoni nzira dzangu nokuverenga nhambwe dzangu dzose here?
5 “Kana ndichinge ndofamba nenzira yenhema kana tsoka dzangu dzamhanyira kunyengera,
6 Mwari ngaandiyere pachiyero chakatendeka uye achaziva kuti handina mhosva,
7 kana tsoka dzangu dzatsauka pagwara, kana mwoyo wangu ukatevera meso angu, kana dai maoko angu asvibiswa,
8 ipapo vamwe ngavadye zvandakadyara, uye mbesa dzangu ngadzidzurwe.