4 Ko, iye haaoni nzira dzangu nokuverenga nhambwe dzangu dzose here?
5 “Kana ndichinge ndofamba nenzira yenhema kana tsoka dzangu dzamhanyira kunyengera,
6 Mwari ngaandiyere pachiyero chakatendeka uye achaziva kuti handina mhosva,
7 kana tsoka dzangu dzatsauka pagwara, kana mwoyo wangu ukatevera meso angu, kana dai maoko angu asvibiswa,
8 ipapo vamwe ngavadye zvandakadyara, uye mbesa dzangu ngadzidzurwe.
9 “Kana mwoyo wangu wakanyengerwa nomukadzi, kana dai ndaivandira pamusuo wewandigere naye,
10 ipapo mukadzi wangu ngaakuye zviyo zvomumwe murume, uye vamwe varume ngavavate naye.