11 Iye anoripira munhu pane zvaanenge aita; anomupisa pamusoro pake zvakakodzera mafambiro ake.
12 Hazvingatongogoni kuti Mwari angaita zvakaipa, kuti Wamasimba Ose angaminamisa kururamisira.
13 Ndianiko akamugadza pamusoro penyika? Ndianiko akamuita mutariri wepasi pose?
14 Kana kwaiva kufunga kwake, uye akatora mweya wake nokufema kwake,
15 marudzi ose avanhu aiparara pamwe chete, uye munhu aizodzokerazve kuguruva.
16 “Kana uchinzwisisa teerera izvi; chinzwa zvandinoreva.
17 Ko, munhu anovenga kururamisira angatonga here? Ko, muchapomera akarurama uye ane simba here?