21 “Meso ake ari panzira dzavanhu; anoona nhambwe imwe neimwe yavo.
22 Hakuna nzvimbo ine rima, hakuna mumvuri worufu, pangavanda vaiti vezvakaipa.
23 Mwari haanei nezvokuedzazve vanhu, kuti vauye vamire pamberi pake vagotongwa.
24 Anoparadza vane simba asina kumbobvunza, agogadza vamwe panzvimbo yavo.
25 Nokuti anocherechedza mabasa avo, anovabvisa usiku ivo ndokupwanyika.
26 Anovaranga nokuda kwokuipa kwavo, pavanoonekwa nomunhu wose,
27 nokuti vakatsauka pakumutevera uye havana kuva nehanya kana neimwe yenzira dzake.