24 Anoparadza vane simba asina kumbobvunza, agogadza vamwe panzvimbo yavo.
25 Nokuti anocherechedza mabasa avo, anovabvisa usiku ivo ndokupwanyika.
26 Anovaranga nokuda kwokuipa kwavo, pavanoonekwa nomunhu wose,
27 nokuti vakatsauka pakumutevera uye havana kuva nehanya kana neimwe yenzira dzake.
28 Vakakonzera kuchema kwavarombo kuti kusvike pamberi pake, saka akanzwa kuchema kwavanoshayiwa.
29 Asi kana akaramba anyerere ndiani angamupa mhosva? Kana akavanza chiso chake, ndianiko angamuona? Zvakadaro iye ari pamusoro pazvose, munhu nendudzi,
30 kuti abvise munhu asina Mwari pakutonga, kuti asaisira vanhu misungo.