27 nokuti vakatsauka pakumutevera uye havana kuva nehanya kana neimwe yenzira dzake.
28 Vakakonzera kuchema kwavarombo kuti kusvike pamberi pake, saka akanzwa kuchema kwavanoshayiwa.
29 Asi kana akaramba anyerere ndiani angamupa mhosva? Kana akavanza chiso chake, ndianiko angamuona? Zvakadaro iye ari pamusoro pazvose, munhu nendudzi,
30 kuti abvise munhu asina Mwari pakutonga, kuti asaisira vanhu misungo.
31 “Ngatiti munhu oti kuna Mwari, ‘Ndine mhaka asi handichatadzizve.
32 Ndidzidzisei zvandisingagoni kuona; kana ndakaita zvakaipa, handichazviitizve.’
33 Ko, Mwari angafanira kukupa mubayiro sezvaunoda iwe here, zvaunoramba kutendeuka? Unofanira kusarudza iwe, kwete ini; saka nditaurire zvaunoziva.