5 “Jobho anoti, ‘Handina mhosva, asi Mwari anoramba kundiruramisira.
6 Kunyange ndakarurama, ndinonzi ndiri murevi wenhema; kunyange ndisina mhaka, miseve yake inobaya ronda risingarapiki.’
7 Ndianiko munhu akaita saJobho, anonwa kushorwa semvura?
8 Anofambidzana navanoita zvakaipa; anowirirana navanhu vakaipa.
9 Nokuti anoti, ‘Munhu haana chaanobatsirwa nacho, paanoedza kufadza Mwari.’
10 “Saka nditeererei, imi vanhu vokunzwisisa. Mwari haangatongoiti zvakaipa, Wamasimba Ose haangatongokanganisi.
11 Iye anoripira munhu pane zvaanenge aita; anomupisa pamusoro pake zvakakodzera mafambiro ake.