23 Ndianiko akamurayira nzira dzake, kana kuti kwaari, ‘Makanganisa imi?’
24 Rangarirai kukudza basa rake, iro rakarumbidzwa navanhu munziyo.
25 Marudzi ose avanhu akariona; vanhu vanoritarisa vari kure.
26 Haiwa Mwari mukuru kupfuura kunzwisisa kwedu! Kuwanda kwamakore ake hakuverengeki.
27 “Anokwevera madonhwe emvura kumusoro, iwo anoshanduka achinaya semvura kuhova;
28 makore anodurura unyoro hwawo uye mvura yakawanda inonaya pamusoro pavanhu.
29 Ndianiko anganzwisisa kuparadzira kwaanoita makore, namatinhiriro aanoita ari mumba make?