4 Muzive kuti mashoko angu haasi enhema; mumwe akakwana pazivo anemi.
5 “Mwari ane simba asi haazvidzi vanhu; ane simba, uye haabvi pane zvaakafunga.
6 Haaregi vakaipa vari vapenyu, asi anopa vanotambudzika kodzero dzavo.
7 Haabvisi meso ake pana vakarurama; anovasimudzira nokusingaperi.
8 Asi kana vanhu vakasungwa nengetani, vakabatwa zvakasimba netambo dzokutambudzika,
9 iye anovaudza zvavanenge vaita, kuti vatadza nokuzvikudza zvikuru.
10 Anovaita kuti vateerere kurayirwa, uye anovarayira kuti vatendeuke pane zvakaipa zvavo.