12 Anoafambisa sezvaanoda pamusoro penyika yose, kuti aite zvose zvaanoarayira.
13 Anouyisa makore kuzoranga vanhu, kana kuzodiridza nyika yake uye kuti aratidze rudo rwake.
14 “Teerera izvi, Jobho, imbomira ugorangarira zvishamiso zvaMwari.
15 Unoziva here kudzorwa kwamakore naMwari nokupenyesa kwaanoita mheni yake?
16 Unoziva maturikirwo akaitwa makore here, izvo zvishamiso zvaiye akakwana muruzivo?
17 Iyemi munopiswa nenguo dzenyu panonyaradza nyika nemhepo yezasi,
18 ko, mungagona kubatana naye pakutatamura matenga here, iwo akaoma kunge chionioni chendarira yakaumbwa.