8 Mhuka dzinovanda; dzinoramba dziri mumapako adzo.
9 Dutu rinobuda pakamuri yaro, chando chinobva pakuvhuvhuta kwemhepo.
10 Kufema kwaMwari kunobudisa mazaya echando, uye mvura zhinji inooma kuita chando.
11 Anozadza makore nounyoro; anoparadzira mheni yake nomumakore.
12 Anoafambisa sezvaanoda pamusoro penyika yose, kuti aite zvose zvaanoarayira.
13 Anouyisa makore kuzoranga vanhu, kana kuzodiridza nyika yake uye kuti aratidze rudo rwake.
14 “Teerera izvi, Jobho, imbomira ugorangarira zvishamiso zvaMwari.