22 “Wakambopinda mudura rechando here, kana kuona dura rechimvuramabwe,
23 zvandakachengetera nguva dzokutambudzika, mazuva ehondo nookurwa?
24 Ko, nzira inoenda kunogoverwa mheni ndeipi, kana nzvimbo inoparadzirwa pamusoro penyika mhepo dzokumabvazuva?
25 Ndianiko anodziura mugero wemvura zhinji, uye nzira yechimvuramabwe,
26 kuti zvidiridze nyika isingagarwi nomunhu, gwenga risina munhu mariri,
27 kugutsa nyika yakaparadzwa nokuita kuti imere uswa?
28 Ko, mvura ina baba here? Ndianiko baba vamadonhwe edova?