2 “Ko, munhu anokakavadzana naWamasimba Ose angamurayira here? Anopomera Mwari mhosva ngaamupindure!”
3 Ipapo Jobho akapindura Jehovha akati:
4 “Ini handina maturo, ndingakupindurai seiko? Ndafumbira muromo wangu.
5 Ndakataura kamwe chete, asi handina mhinduro, kaviri, asi handichapamhidzizve.”
6 Ipapo Jehovha akataura naJobho ari mudutu akati:
7 “Chizvisunga somurume; ini ndichakubvunza, uye iwe uchandipindura.
8 ‘Ko, iwe unoda kukanganisa kururamisira kwangu here? Ko, unondipomera kuti uzviruramise here?