16 rimwe nerimwe riri pedyo pedyo nerimwe, zvokuti hakuna mhepo inopinda napakati.
17 Akanyatsobatanidzwa pane rimwe nerimwe; akanamatirana pamwe chete uye haagoni kuparadzaniswa.
18 Kuhotsira kwayo kunoita mamvari omoto; meso ayo akaita sehwerazuva hwamambakwedza.
19 Mazhenje omoto anoyerera achibva mumuromo mayo; zvimvari zvomoto zvinobarikira kunze.
20 Utsi hunobuda mumhino dzayo sepahari inovira pamusoro pomoto weshanga.
21 Kufema kwayo kunopfutidza mazimbe omoto, uye murazvo unobuda mumuromo mayo.
22 Simba rinogara pamutsipa wayo; kuvhundutsa kuri pamberi payo.